2 Chronicles 35:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kuʋaRevi ʋaidzidzisa ʋaIsraeri ʋose, ʋakaŋga ʋari ʋatȿene kunaJehova: Isai areka tȿene muimba yakaʋakwa naSoromoni mŋanakomana waDavidi mambo waIsraeri; hamucazoʋi nomutoro pamafudzi enyu; ɀino, shumirai Jehova Mŋari wenyu, naʋanhu ʋake Israeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuvaRevhi, vaidzidzisa Israeri yose uye vakanga vakatsaurirwa kuna Jehovha, “Isai areka yesungano mutemberi yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri. Haifaniri kutakurwa pamapfudzi enyu. Zvino shumirai Jehovha Mwari uye navanhu vake Israeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kuvaRevhi vaidzidzisa Isiraeri yose vakateketererwa kuna Tenzi vaye, “Isai bhokisi rechitenderano rinoera mumba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsiraeri. Inga zvokunge mucharitakura pamapfudzi enyu hapasisina wani. Zvino mochishandirawoka Tenzi, Mwari wenyu nevanhu vake vaIsiraeri
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa vaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, “Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo waIsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.
Shona 2009?
Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa vaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, "Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo walsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa VaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, “Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo waIsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.