2 Chronicles 35:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namacinda ake akapa ʋo nomŋoyo wose kunaʋanhu, naʋaprista, naʋaRevi. Hirkia, naZekaria, naJehieri, ʋaɓati ʋeimba yaMŋari, ʋakapa ʋaprista ɀipfuwo ɀiɗuku ɀineɀuru ɀiʋiri namazana matanhatu, nenzombe dzinamazana matatu, kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Machinda ake akapawo nokuda kwavo kuvanhu nokuvaprista navaRevhi. Hirikia, Zekaria naJehieri, mutariri mukuru wetemberi yaMwari akapa vaprista zvipiriso zviuru zviviri namazana matanhatu nemombe mazana matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda ake akabvisirawo vanhu navapristi nevaRevhi nomwoyo unoda. Hirikiya naZakariya naJehieri vatungamiriri vakuru vakuru vomumba yaTenzi vakapawo kuvapristi zvemipiro yePasika hwayana nembudzana zviuru zviviri zvine mazana matanhatu nehandira mazana matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namachinda ake akapawo nomwoyo wose kuna vanhu, navapristi, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vapristi zvipfuo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
Shona 2009?
Namachinda ake akapawo nomoyo wose kuna vanhu, navaprista, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vaprista zvipfuwo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
Shona SUB 2002 Bible
Namachinda ake akapawo nomwoyo wose kuna vanhu, navapristi, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vapristi zvipfuo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.