2 Chronicles 35:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabia, naJeyieri, naJozabadi, ʋakuru ʋaʋaRevi, ʋakapa ʋaRevi ɀipfuwo ɀiɗuku ɀineɀuru ɀishanu, nenzombe dzinamazana mashanu, kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyewo Konania pamwe chete naShemaya naNetaneri vanun'una vake, naHashabhia, Jeyeri naJozabhadhi, vatungamiri vavaRevhi, vakapa zvipiriso zvePasika zviuru zvishanu nemombe mazana mashanu zvavaRevhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo Konaniya naShemaya naNetaneri vakoma navanun'una naye, kwouya Hashabhiya naJeieri naJozabhadhi vari vakuru vakuru vevaRevhi, vakapawo kuvaRevhi zviuru zvishanu zvehwayana nembudzana pamwechete namazana mashanu ehandira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
Shona 2009?
NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuwo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
Shona SUB 2002 Bible
NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.