2 Chronicles 36:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka wakaʋuyisa mambo waʋaKardea kwaʋari, akaʋuraya majaya aʋo nomunondo paimba yaʋo tȿene; haana‐kunzwira tsitsi kunyaŋge jaya, kana musikana, kana mutana, kana wakacena vudzi; wakaʋaisa ʋose muruʋoko rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akauyisa mambo wavaBhabhironi kuti azovarwisa uye akauraya majaya avo nomunondo munzvimbo tsvene, uye hapana waakasiya, jaya kana mhandara, varume vakuru kana vatana. Mwari akavapa vose kuna Nebhukadhinezari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo akavamutsira mambo wavanhu vechiKaredhea vakauraya namapakatwa majaya avo mumba yavo macho menzvimbo inoera pasina kana zvokumbonzwira tsitsi kuti majaya here kana kuti mhandara kunyange kuti murume mukuru kana kuti munhu achembera; akaisa vose mumaoko ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake.
Shona 2009?
Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Saka wakauyisa mambo wavaKaradhia kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyangwe jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake.