2 Chronicles 36:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino negore rokutaŋga raKoreshi mambo wePersia, kuti shoko raJehova rakaŋga rarebga nomuromo waJeremia riitike, Jehova wakamutsa mŋeya waKoreshi mambo wePersia, akaparidza paʋushe bgake bgose, akaɀinyora ʋo, aciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuitira kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe, Jehovha akasunda mwoyo waSirasi mambo wePezhia kuti aparadzire kuumambo hwake hwose uye kuti azvinyore achiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore rechiposhi rokutonga kwaKoreshi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake; akaitawo zvokuchinyora chokuti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti,
Shona 2009?
Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePezhia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePezhia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti,