2 Chronicles 36:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo weEgipita akagadza Eriyakimi munuŋuna wake aʋe mambo waJuda neJerusarema, akashandura zita rake, rikazoʋa Jehoyakimi. Neko akatora munuŋuna wake Joahazi, akaenda naye Egipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIjipiti akaita Eriakimu mukoma waJehoahazi, kuti ave mambo pamusoro peJudha neJerusarema akashandura zita raEriakimu kuti anzi Jehoyakimi. Asi Neko akatora munun'una waEriakimu Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Neko mambo weIjipiti akaita Eriyakimu munun'una waJehoahazi mambo weJudha neJerusaremu akabva amusandura zita omupa rimwe rokuti Jehoyakimu, asi akatakura mukoma wake Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo weIjipiti akagadza Eriyakimi munun'una wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munun'una wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti.
Shona 2009?
Mambo weIjipiti akagadza Eriyakimi munun'una wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munun'una wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo weIjipiti akagadza Eriakimi munun'una wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munun'una wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti.