2 Chronicles 4:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ʋo dziʋa rendarira yakanyauswa, rakaȿika makubiti anegumi paʋupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakaȿika makubiti mashanu; ʋuye pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti anamakumi matatu rwakaripoteredza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakira kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanuc kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatud kuti ikwanise kupoteredza dziva iri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazogadzira zibhavhu ziguru-guru kwazvo rakanga rino utare hwakaita zvokunyungurutswa. Udzame hwaro hwaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana namasendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi namatatu namasendimita makumi maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaitawo dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ana makumi matatu rwakaripoteredza.
Shona 2009?
Akaitawo dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ana makumi matatu rwakaripoteredza.
Shona SUB 2002 Bible
Akaitawo dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera tambo yakasvika makubhiti ana makumi matatu yakaripoteredza.