2 Chronicles 5:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo maɓasa ose akaitirwa imba yaJehova naSoromoni akapera. Ɀino Soromoni akapinza ɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurirwa Jehova naɓaɓa ʋake Davidi, sirveri, nendarama, nenhumbi dzose, akadziisa muɀiʋigiro ɀeimba yaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokudaro basa rose rakaitwa naSoromoni remba yaTenzi rakapera. Soromoniwo akauya nezvinhu zvababa wake Dhavhidhi zvakanga zvapirwa kuna Mwari zvaiti: sirivha nendarama nemidziyo yose akazvirongedza maichengeterwa upfumi hwemba yaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo mabasa ose akaitirwa imba yaJehovha naSoromoni akapera. Zvino Soromoni akapinza zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Jehovha nababa vake Dhavhidhi, sirivha, nendarama, nenhumbi dzose, akadziisa muzvivigiro zveimba yaMwari.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible