2 Chronicles 5:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino ʋaridzi ʋehwamanda, naʋaimbi, ʋakati ʋaciita mawa, ʋaciita nenzwi rimŋe ʋacirumbidza nokuʋoŋga Jehova; ʋakati ʋaciimbisa pamŋe cete nehwamanda, namakandira, neɀokuridzisa naɀo, ʋacirumbidza Jehova, ʋaciti: Nokuti wakanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi; ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehova;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varidzi vehwamanda navaimbi vakabatana pamwe chete sevane inzwi rimwe chete, vachirumbidza nokuvonga Jehovha. Zvichibatana nehwamanda makandira nezvimwe zviridzwa vakasimudzira manzwi avo vachirumbidza Jehovha vakaimba vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo temberi yaJehovha yakafukidzwa negore,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
basa revokuridza mabhosvo ivava navaimbi ava riri rokuburitsa mumhanzi pamwechete vachirumbidza Tenzi vachimutenda. Rwiyo ndokubva rwanzi povo kukagoridzwa mabhosvo namakwakwakwa acho nezvimwewo zvokuridzisa mumhanzi vachirumbidza Tenzi vachiti, “Nokuti wakanaka uye mwoyochena wake haupere,” imba iyoyo, imba yaTenzi yakazadzwa negore.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuvonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwechete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti, “Nokuti akanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;” ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha;
Shona 2009?
zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuvonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwechete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti, "Nokuti akanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;" ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha;
Shona SUB 2002 Bible
zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuvonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwechete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti, “Nokuti akanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;” ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha;