2 Chronicles 5:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Soromoni akaʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋose ʋamarudzi, iwo macinda edzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, paJerusarema, akakwidza areka yesuŋgano yaJehova ibve paguta raDavidi, iro Zioni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Soromoni akadana vakuru veIsraeri kuJerusarema, vose vakuru vamarudzi navakuru vemhuri dzeIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni Guta raDhavhidhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avanhu vechiIsiraeri kuJerusaremu kuti vaende kundotora bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Soromoni akaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni.
Shona 2009?
Zvino Soromoni akaunganidza vakuru valsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Soromoni akaunganidza vakuru VaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana VaIsiraeri, paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni.