2 Chronicles 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo Soromoni, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri yakaŋga yaʋuŋganira kwaari, ʋakafamba pamberi peareka, ʋakaɓayira makwai nenzombe, ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa nokuwanda kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye Mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakanga yaungana paari vakanga vari pamberi peareka vachibayira makwai mazhinji kwazvo nemombe zhinji zvokuti zvaisagona kunyorwa kana kuverengeka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Soromoni negungano rose reIsiraeri rakanga raungana kwaari vaiva pamberi pebhokisi rechitenderano ipapo vachipira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
Shona 2009?
Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo Soromoni, neungano yose yaVaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.