2 Chronicles 5:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Matanda akaŋga akareɓa; naiɀoɀo miromo yamatanda yakaŋga iciʋonekwa kana munhu ari paareka pamberi penɀimbo tȿene; asi akaŋga asiŋgaʋonekwi necokunze; ici’po kuȿikira nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo, kubva paareka, aigona kuonekwa kubva nechemberi kwomukati menzvimbo tsvene, asi kwete uri kunze kweNzvimbo Tsvene. Uye achiripo nanhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mapango iwayo akanga akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange neari munzvimbo inoera, tisati tapinda munzvimbo inoera, kamba komukatikati kaye. Asi akanga asingaoneke nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paareka pamberi penzvimbo tsvene; asi akanga asingaonekwi nechokunze; ichipo kusvikira nhasi.
Shona 2009?
Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paareka pamberi penzvimbo tsvene; asi akanga asingaonekwi nechokunze, ichipo kusvikira nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paareka pamberi penzvimbo tsvene; asi akanga asingaonekwi nechokunze; ichipo kusvikira nhasi.