2 Chronicles 6:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapika Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri imba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Jehovha akachengeta chivimbiso chavakaita. Ini ndakatevera Dhavhidhi baba vangu uye zvino ndava kugara pachigaro choushe chaIsraeri sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndakavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Tenzi akazadzikisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwaakaita Tenzi ndikazovakawo imba iyi, yokuisa zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino Jehovha akaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapika Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba.
Shona 2009?
"Zvino Jehovha akaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chalsiraeri, sezvakapika Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino Jehovha akaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapika Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba.