2 Chronicles 6:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
(nokuti Soromoni wakaŋga aita nendarira pokumira pakakwirira, kureɓa kwapo kwakaȿika makubiti mashanu, noʋupamhi makubiti mashanu, nokukwirira makubiti matatu, akaɀiisa pakati poruʋazhe; akamira pamsoro paɀo, akafugama pamberi peʋuŋgano yose yaIsraeri, akatambanudzira maʋoko ake kuɗeŋga;)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino akanga agadzira pokumira pakakwirira nendarira, pakanga pakareba makubhiti mashanua, pane upamhi hwamakubhiti mashanu uye pakakwirira makubhiti matatub, uye akanga apaisa pakati pechivanze chokunze. Akamira pokumira paya akapfugama pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudzira maoko ake kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akanga agadzira nendarira chimwe chokumira pachiri chaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri kureba, upamhi hwacho huchiitawo mamita maviri namasendimita makumi maviri, kukwira kwacho mudenga chichiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu akachiisa mukati menhandare, akamira pamusoro pacho. Akapfugama namabvi pamberi pegungano rose reIsiraeri akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
(nokuti Soromoni akanga aita nendarira pokumira pakakwirira, kureba kwapo kwakasvika makubhiti mashanu, noupamhi makubhiti mashanu, nokukwirira makubhiti matatu, akazviisa pakati poruvazhe; akamira pamusoro pazvo, akapfugama pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga;)
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible