2 Chronicles 6:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Jehova Mŋari waIsraeri, hakunomumŋe Mŋari wakafanana nemi kuɗeŋga kumsoro kana panyika pasi; munoraŋgarira suŋgano nenyasha kuʋaranda ʋenyu, ʋanofamba pamberi penyu nomŋoyo waʋo wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati: “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kudenga kana panyika. Imi munochengeta sungano yorudo navaranda venyu vanoramba vachifamba munzira yenyu nomwoyo wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomwoyo wose,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Jehovha Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari akafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose.
Shona 2009?
akati, "Jehovha Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari akafanana nemwi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Jehovha Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari akafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose.