2 Chronicles 6:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, Jehova Mŋari waIsraeri, itirai muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, seɀamakamupikira, muciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri pamberi paŋgu, kana ʋana ʋako ʋakaŋgwarira kufamba kwaʋo, ʋakafamba pamberi paŋgu seɀawakafamba iwe pamberi paŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvivimbiso zvamakaita kwaari pamakati, ‘Haungatongokundikani kuti uve nomunhu achagara pamberi pangu pachigaro choushe chaIsraeri, kana chete vanakomana vako vakachenjerera mune zvose zvavanoita kuti vafambe pamberi pangu maererano nomurayiro, sezvawakaita iwe.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Tenzi, Mwari wevaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira zvenyu baba vangu Dhavhidhi, zvamakavataurira muchiti, hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vachitevedza mutemo wangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira, muchiti, ‘Haungashaiwi munhu achagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira, muchiti, `Haungashaiwi munhu achagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira, muchiti, ‘Haungashaiwi munhu achagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.’