2 Chronicles 6:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, iʋai nehanya nomunyeŋgetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehova Mŋari waŋgu, munzwe kuɗanidzira nokunyeŋgetera kwomuranda wenyu, kwaanonyeŋgetera pamberi penyu nhasi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake kuti anzwirwe tsitsi, imi Jehovha Mwari wangu. Inzwai kuchema nomunyengetero uri kunyengeterwa nomuranda wenyu pamberi penyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera komuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi.