2 Chronicles 6:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munzwe kukumbira kwomuranda wenyu, nokwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana ʋacizonyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo iyi; ɗonzwai iko kuɗeŋga, kwamunogara; ɀino kana mukanzwa, muʋakaŋganwire henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwai mikumbiro yomuranda wenyu neyavanhu venyu Israeri pavanenge vachinyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kubva kudenga kwamunogara uye kana manzwa muregerere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri, pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino. Vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregererewo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munzwe kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.
Shona 2009?
"Munzwe kukumbira komuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakangamwire henyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Munzwe kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu VaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.