2 Chronicles 6:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
inzwai iko kuɗeŋga, muite, mururamisire ʋaranda ʋenyu, mupe wakaipa mhoȿa, arobge pamsoro pomufambire wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe ɀakafanira kururama kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo inzwai muri kudenga uye mugoita. Tongai pakati pavaranda venyu, muchimuripisa ane mhosva nokuburutsa pamusoro wake izvo zvaakaita. Ratidzai pachena uyo asina mhosva kuti haana zvaakatadza uye musimbise kusatadza kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pakadaro imi teererai muri kudenga uku muwane chamungaite nazvo, muteme zvinowirirana nemhosva yacho, Ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake, anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
inzwai iko kudenga, muite mururamisire varanda venyu, mupe akaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire akarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
Shona 2009?
inzwai iko kudenga, muite mururamisire varanda venyu, mupe akaipa mhosva, arobwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire akarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
Shona SUB 2002 Bible
inzwai iko kudenga, muite mururamisire varanda venyu, mupe akaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire akarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.