2 Chronicles 6:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana munhu upi noupi, kana ʋanhu ʋenyu ʋose ʋaIsraeri ʋakanyeŋgetera kana kukumbira, mumŋe nomumŋe aciziʋa kutambudzika kuri pamŋoyo wake kana kucema kwake, akatambanudzira maʋoko ake kuimba ino;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana munyengetero kana chikumbiro chikaitwa noupi zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achinyatsonzwisisa matambudziko namarwadzo ake, uye kana akatambanudzira maoko ake kunzvimbo ino,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo wake kana chimwe chinomutambudza akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamwoyo wake kana kuchema kwake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
Shona 2009?
"Kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose valsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo wake kana kuchema kwake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose VaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamwoyo wake kana kuchema kwake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;