2 Chronicles 6:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, mukaŋganwire muripire mumŋe nomumŋe ɀakafanira mufambire wake wose, iye wamunoziʋa mŋoyo wake; (nokuti imi, imi moga, ndimi munoziʋa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu ʋose;)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo inzwai kubva kudenga kwamunogara. Regererai uye muitire mumwe nomumwe sezvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munoziva mwoyo yavanhu),
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregererewo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu)
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake ose, iye wamunoziva mwoyo wake; (nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva mwoyo yavana vavanhu vose;)
Shona 2009?
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukangamwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake ose, iye wamunoziva moyo wake; (nokuti imi, imwi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;)
Shona SUB 2002 Bible
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake ose, iye wamunoziva mwoyo wake; (nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva mwoyo yavana vavanhu vose;)