2 Chronicles 6:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, muitire mutorwa ɀose ɀaanokumbira, kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe zita renyu, ʋakutyei, seɀinoita ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋaziʋe kuti imba ino yandakaʋaka yakatumidzwa zita renyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
imi munzweiwo kudenga ikoko, kunzvimbo yenyu kwamunogara, muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai, kuitira kuti marudzi ose avanhu vepanyika pano vagoziva zita renyu, vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandakavaka inodaidzwa nezita renyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
Shona 2009?
"Inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu VaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.