2 Chronicles 6:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana ʋakadzokera ɀe kwamuri nomŋoyo waʋo wose, nomŋeya wose, panyika yokutapxa kwaʋo, kwaʋakaʋatapira, ʋakanyeŋgetera ʋakatarira kunyika yaʋo, yamakapa madziɓaɓa aʋo, nokuguta ramakatsaura imi, nokuimba yandakaʋakira zita renyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wose munyika youtapwa kwavakaendeswa, uye vakanyengetera vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza uye vakatarisa kutemberi yandakavakira Zita renyu;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose, vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo, vari munyika yevavengi vavo, vanyakuvatapa, vakanamata vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wose, panyika yokutapwa kwavo, kwavakatapirwa, vakanyengetera vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, nokuguta ramakatsaura imi, nokuimba yandakavakira zita renyu;
Shona 2009?
kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wose, panyika yokutapwa kwavo, kwavakatapirwa, vakanyengetera vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, nokuguta ramakatsaura imwi, nokuimba yandakavakira zita renyu;
Shona SUB 2002 Bible
kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wose, panyika yokutapwa kwavo, kwavakatapirwa, vakanyengetera vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, nokuguta ramakatsaura imi, nokuimba yandakavakira zita renyu;