2 Chronicles 6:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo, muʋaruramisire; mukaŋganwire ʋanhu ʋenyu ʋakakutadzirai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo kubva kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nemikumbiro yavo uye muvatsigire muvakundise pamhaka yavo. Uye muregerere vanhu venyu vanenge vakutadzirai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muvaitire zvavanenge vachichema nazvo, muregererewo vanhu venyu vanenge vakutadzirai ivavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire; mukanganwire vanhu venyu vakakutadzirai.
Shona 2009?
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire; mukangamwire vanhu venyu vakakutadzirai.
Shona SUB 2002 Bible
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire; mukanganwire vanhu venyu vakakutadzirai.