2 Chronicles 6:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva pazuʋa randakaɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri paEgipita, handina‐kutsaura guta rimŋe pamarudzi ose aIsraeri, paʋaŋgandiʋakira imba, kuti zita raŋgu rigare’po; ʋuye handina‐kutsaura munhu mumŋe aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Kubva pazuva randakaburitsa vanhu vangu muIjipiti, handina kumbosarudza guta murudzi rupi norupi rwaIsraeri kuti Zita rangu rivakirwe temberi kuti rivepo, uye handina kumbosarudza mumwe munhu kuti ave mutungamiri wavanhu vangu Israeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu munyika yeIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti ndivakire imba inodaidzwa nezita rangu uye handina munhu wandakasarudza kuti ave mutongi wavanhu vangu vaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; uye handina kutsaura munhu mumwe ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri;
Shona 2009?
Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paljipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; uye handina kutsaura munhu mumwe ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri;
Shona SUB 2002 Bible
‘Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu VaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; uye handina kutsaura munhu mumwe ave mutungamiriri wavanhu vangu VaIsiraeri;