2 Chronicles 7:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pazuʋa ramakumi maʋiri namatatu romŋedzi wecinomŋe akaendisa ʋanhu kumatente aʋo nemŋoyo yakaŋga icifara, icifarira ɀakanaka ɀose ɀakaitira Jehova Davidi, naSoromoni, naʋanhu ʋake ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechimakumi maviri nechitatu romwedzi wechinomwe akaparadza musasa woonekana navanhu kuti vaende kumisha yavo. Vakaenda vasisazive pokuisa mwoyo nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuna Soromoni nokuvanhu vake vaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendisa vanhu kumatende avo nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake vaIsiraeri.
Shona 2009?
Zvino pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendisa vanhu kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendisa vanhu kumatende avo nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake VaIsiraeri.