2 Chronicles 7:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neimba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba iyi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kunyangewo pamba iyoyi iyi ine mukurumbira kudai, vapfuuri nenzira vose vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa nazvo, vachitozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chaadariro nyika ino nemba iyi chii?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Neimba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?’
Shona 2009?
"Neimba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, `Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?'
Shona SUB 2002 Bible
“Neimba iyi kunyangwe yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?’