2 Chronicles 7:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaprista ʋakamira’po, seɀaʋakagoʋerwa maɓasa aʋo; naʋaRevi ʋo ʋaneɀokuridzira Jehova, ɀakaitwa namambo Davidi, ɀokuʋoŋga Jehova naɀo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi, paŋguʋa iya Davidi yaakakudza Jehova naɀo; ʋaprista ʋakaridza hwamanda pamberi paʋo, ʋaIsraeri ʋose ʋakamira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista vakaenda panzvimbo dzavo sezvakaitwawo navaRevhi vane zviridzwa zvaJehovha zvakanga zvagadzirwa naMambo Dhavhidhi kuti zvishandiswe pakurumbidza Jehovha uye izvo zvakashandiswa pavakavonga vachiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Kune rumwe rutivi rwakatarisana navaRevhi, vaprista vakaridza hwamanda dzavo uye vaIsraeri vose vakanga vakamira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vakamira munzvimbo dzavo, vaRevhiwo vaine zvokuridzisa mumhanzi waTenzi zvakagadzirwa namambo Dhavhidhi kuitira kurumbidza Tenzi pamusana pokuti mwoyochena wake hauperi. Dhavhidhi paaivarumbidzisa Mwari, vapristi vairidza mabhosvo vakatarisana navo, vaIsiraeri vose vakamira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vapristi vakamirapo, sezvavakagoverwa mabasa avo; navaRevhiwo vane zvokuridzira Jehovha, zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokuvonga Jehovha nazvo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi, panguva iya Dhavhidhi yaakakudza Jehovha nazvo; vapristi vakaridza hwamanda pamberi pavo, vaIsiraeri vose vakamira.
Shona 2009?
Vaprista vakamirapo, sezvavakagoverwa mabasa avo; navaRevhivo vane zvokuridzira Jehovha, zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokuvonga Jehovha nazvo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi, panguva iya Dhavhidhi yaakakudza Jehovha nazvo; vaprista vakaridza hwamanda pamberi pavo, vaIsiraeri vose vakamira.
Shona SUB 2002 Bible
Vapristi vakamirapo, sezvavakagoverwa mabasa avo; navaRevhiwo vane zvokuridzira Jehovha, zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokuvonga Jehovha nazvo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi, panguva iya Dhavhidhi yaakakudza Jehovha nazvo; vapristi vakaridza hwamanda pamberi pavo, VaIsiraeri vose vakamira.