2 Chronicles 7:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Soromoni akatamba mutambo paŋguʋa iyo mazuʋa manomŋe, naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye, ikaita ʋuŋgano huru‐huru, kubva paʋanopinda paHamati, kuȿikira parukoʋa rweEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Soromoni akatamba mutambo panguva iyoyo kwamazuva manomwe, uye Israeri yose yakanga inaye, ungano huru kwazvo, vanhu vaibva kuRebho Hamati kusvika kuRwizi rweIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguvawo iyoyo Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo, vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kuKakova keIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo panguva iyo mazuva manomwe, navaIsiraeri vose pamwechete naye, ikaita ungano huru-huru, kubva pavanopinda paHamati, kusvikira parukova rweIjipiti.
Shona 2009?
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo panguva iyo mazuva manomwe, navaIsiraeri vose pamwechete naye, ikaita ungano huru-huru, kubva pavanopinda paHamati, kusvikira parukova rweIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo panguva iyo mazuva manomwe, naVaIsiraeri vose pamwechete naye, ikaita ungano huru–huru, kubva pavanopinda paHamati, kusvikira parukova rweIjipiti.