2 Chronicles 8:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDavidi, akamuisa kuimba yaakaŋga amuʋakira; nokuti wakati: Mukadzi waŋgu haafaniri kugara muimba yaDavidi mambo waIsraeri, nokuti panɀimbo paȿika areka yaJehova patȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Soromoni akauyisa mwanasikana waFaro kubva kuGuta raDhavhidhi akamuisa mumuzinda waakanga amuvakira nokuti akati, “Mudzimai wangu haafaniri kugara mumuzinda waDhavhidhi mambo waIsraeri nokuti nzvimbo dzose dzakambopinzwa areka yaJehovha itsvene.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akatamisa mukunda waFarao kuguta raDhavhidhi akamuendesa kumba yaakanga amuvakira. Raaiva naro nderokuti, “Mudzimai wangu uyu haangagare mumuzinda waDhavhidhi mambo weIsiraeri pamusana pokuti pose pakambosvikwa nebhokisi raTenzi rechitenderano, panoera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDhavhidhi, akamuisa kuimba yaakanga amuvakira; nokuti akati, “Mukadzi wangu haafaniri kugara muimba yaDhavhidhi mambo waIsiraeri, nokuti panzvimbo pasvika areka yaJehovha patsvene.”
Shona 2009?
Zvino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDhavhidhi, akamuisa kuimba yaakanga amuvakira; nokuti akati, "Mukadzi wangu haafaniri kugara muimba yaDhavhidhi mambo waIsiraeri, nokuti panzvimbo pasvika areka yaJehovha patsvene."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDhavhidhi, akamuisa kuimba yaakanga amuvakira; nokuti akati, “Mukadzi wangu haafaniri kugara muimba yaDhavhidhi mambo waIsiraeri, nokuti panzvimbo pasvika areka yaJehovha patsvene.”