2 Chronicles 8:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
seɀaʋaifanira kuita zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋakaɓayira seɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi, pamasaɓata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo weɀiŋgwa ɀisinemvuʋiro, napamutambo wamaviki, napamutambo wamatumba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
maererano nezvaidikanwa zuva nezuva pazvipiriso sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa naMozisi pamaSabata, Kugara kwoMwedzi weChingwa Chisina Mbiriso, Mutambo waMavhiki noMutambo waMatumba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
maererano nezvaidiwa zuva nezuva achitevedza mutemo waMosesi wemaSabata nowokugara kwemwedzi newemazuva makuru matatu aya anoti mazuva makuru echingwa chisina mbiriso, nezuva guru rokupemberera mavhiki namazuva makuru amatumba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe, vakabayira sezvavakanga varairwa naMosesi, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisine mvuviro, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba.
Shona 2009?
sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe, vakabayira sezvavakanga varairwa naMozisi, pamaSabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisine mvuviro, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba.
Shona SUB 2002 Bible
sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe, vakabayira sezvavakanga varairwa naMosesi, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisina mvuviro, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba.