2 Chronicles 8:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akagadza, seɀaakarairwa naDavidi ɓaɓa ʋake, mapoka aʋaprista pamaɓasa aʋo, naʋaRevi pamaɓasa aʋo, kuti ʋarumbidze nokuɓata pamberi paʋaprista, seɀaʋaifanira kuita zuʋa rimŋe nerimŋe; naʋatariri ʋemikoʋa pamapoka aʋo pasuʋo rimŋe nerimŋe; nokuti ndiɀo ɀakaŋga ɀarairwa naDavidi munhu waMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maererano nomutemo wababa wake Dhavhidhi, akapa mapoka avaprista mabasa avo uye vaRevhi kuti vatungamirire kurumbidza uye kuti vabatsire vaprista sezvaidikanwa zuva nezuva. Akapazve mabasa akasiyana-siyana, nokuti izvi ndizvo zvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvirongwa zvababa wake akarongera mapato avapristi basa rawo rokuita. Akarongerawo vaRevhi basa ravo rokurumbidza nerokushanda navapristi sezvaidikanwa zuva nezuva. Akarongerawo vokuchengetedza misuo mukuru muzvikwata zvavo zvokuchengetedza misuo mukuru yacho nokuti ndozvakanga zvanzi nomunhu waMwari Dhavhidhi zvizoitwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akagadza, sezvaakarairwa naDhavhidhi baba vake, mapoka avapristi pamabasa avo, navaRevhi pamabasa avo, kuti varumbidze nokubata pamberi pavapristi, sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe; navatariri vemikova pamapoka avo pasuo rimwe nerimwe; nokuti ndizvo zvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari.
Shona 2009?
Akagadza, sezvaakarairwa naDhavhidhi baba vake, mapoka avaprista pamabasa avo, navaRevhi pamabasa avo, kuti varumbidze nokubata pamberi pavaprista, sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe navatariri vemikova pamapoka avo pasuo rimwe nerimwe; nokuti ndizvo zvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Akagadza, sezvaakarairwa naDhavhidhi baba vake, mapoka avapristi pamabasa avo, navaRevhi pamabasa avo, kuti varumbidze nokubata pamberi pavapristi, sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe; navatariri vemikova pamapoka avo pasuwo rimwe nerimwe; nokuti ndizvo zvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari.