2 Chronicles 8:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino maɓasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuʋa rokuʋambga kweimba kuȿikira pakupera kwayo. Imba yaJehova ikazopera cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Basa rose raSoromoni rakaitwa kubva pazuva rokuvakwa kwenheyo dzetemberi yaJehovha kusvikira pakupedziswa kwayo. Saka temberi yaJehovha yakapedzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiko kupedzeswa kwakaitwa basa rose raSoromoni iri kubvira zuva rakatangwa kuvakwa ugaro hwemba yaTenzi kusvikira yapera. Saka imba yaTenzi yakabva yapera kuvakwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mabasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuva rokuvambwa kweimba kusvikira pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera chose.
Shona 2009?
Zvino mabasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuva rokuvambwa kweimba kusvikira pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera chose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mabasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuva rokuvambwa kweimba kusvikira pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera chose.