2 Chronicles 8:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hurami akamutumira naʋaranda ʋake ɀikepe, naʋaranda ʋaiziʋa guŋgwa kwaɀo; ʋakaenda Ofiri naʋaranda ʋaSoromoni, ʋakandotora’po ndarama yakaȿika matarenta anamazana manna namakumi mashanu, ʋakaʋuya nayo kunamambo Soromoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Hiramu akatumira zvikepe zvake zvakatungamirirwa namachinda ake varume vaiziva gungwa. Ava navanhu vaSoromoni, vakaenda nezvikepe kuOfiri uye vakandouya namatarenda mazana mana namakumi mashanua egoridhe, vakaapa kuna Mambo Soromoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Huramu akamutumira machinda ake nengarava namachinda nyanzvi dzezvokufamba mugungwa vakaenda kuOfiri pamwechete namachinda aSoromoni. Vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvishanu vakauya nayo kuna mambo Soromoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hurami akamutumira navaranda vake zvikepe, navaranda vaiziva gungwa kwazvo vakaenda; Ofiri navaranda vaSoromoni, vakandotorapo ndarama yakasvika matarenta mazana mana namakumi mashanu, vakauya nayo kuna mambo Soromoni.
Shona 2009?
Hurami akamutumira navaranda vake zvikepe, navaranda vaiziva gungwa kwazvo vakaenda; Ofiri navaranda vaSoromoni, vakandotorapo ndarama yakasvika matarenda* mazana mana namakumi mashanu, vakauya nayo kuna mambo Soromoni.
Shona SUB 2002 Bible
Hurami akamutumira navaranda vake zvikepe, navaranda vaiziva gungwa kwazvo vakaenda; Ofiri navaranda vaSoromoni, vakandotorapo ndarama yakasvika matarenta mazana mana namakumi mashanu, vakauya nayo kuna mambo Soromoni.