2 Chronicles 9:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambokadzi weSheba wakati anzwa mbiri yaSoromoni, akaȿika Jerusarema kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, anaʋanhu ʋazhinji, namakamera aitakura ɀinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, neɀibge ɀinokosha; ɀino wakati aȿika kunaSoromoni, akataurirana naye pamsoro peɀose ɀiri mumŋoyo make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni, akauya kuJerusaremu kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura twunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni, akamutaurira zvose zvaiva mumwoyo make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, nengamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumwoyo make.
Shona 2009?
Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuhwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, nengamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji–zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumwoyo make.