2 Chronicles 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weSheba ɀose ɀaaiɗa neɀaakakumbira; ɀimŋe ɀaakaʋuya naɀo kunamambo ɀisiŋgaʋereŋgwi. Naiɀoɀo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye naʋaranda ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Soromoni akapa mambokadzi uyu wokuShebha zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengi zvaakauya nazvo kuzopa mambo. Iye akakotonoka akadzokera zvake kunyika kwake namakurukota ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
Shona 2009?
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.