2 Chronicles 9:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaita ʋo nhoʋo ɗuku dzinamazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakaȿika mashekeri anamazana matatu yakaiswa panhoʋo imŋe neimŋe; mambo akaɀiisa muimba yeɗondo reRebanoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatud egoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaitawo mazana matatu edzimwe nhoo dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo imwechete yaiva nendarama yairema makirogiramu ainge oda kuita matatu. Mambo akandodzirongedza mumba iya yainzi Imbayesangorerebhanoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akaitawo nhoo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhoo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
Shona 2009?
akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
Shona SUB 2002 Bible
akaitawo nhoo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhoo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.