2 Chronicles 9:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwakaŋga kuneshumba gumi nembiri dzimire paɀikwiriso ɀitanhatu, mbiri‐mbiri kunhiʋi dzecimŋe necimŋe; hakuna‐kumboitwa cakaɗai kunoʋumŋe ʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
paine shumba gumi nembiri dzakamira pamadanho aya ose ari matanhatu dzakati imwe uku, imwe uku padanho roga roga. Hapana mune imwe nyika makamboitwa zvakadai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbirimbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.
Shona 2009?
Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.
Shona SUB 2002 Bible
Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri–mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.