2 Chronicles 9:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiʋa yendarama, nemidziyo yose yeimba yeɗondo reRebanoni yaiʋa yendarama yakaiȿo‐naka; sirveri yakaŋga icinzi hainomurimo pamazuʋa aSoromoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe yakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Midziyo yose zvayo yokunwira yamambo Soromoni yaiva yendarama. Midziyo yose yokuImbayesangorerebhanoni yaivawo yendarama chaiyo yakanakisisa, sirivha hapana aimboiverengawo sechinhu panguva yaSoromoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
Shona 2009?
Mikombe yose yokumwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
Shona SUB 2002 Bible
Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.