2 Chronicles 9:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Soromoni akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi ɓaɓa ʋake, Rehoboami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Robhamu mwana wake mukomana ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona 2009?
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.