2 Chronicles 9:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pacigaro cake coʋushe, muʋe mambo waJehova Mŋari wenyu; nokuti Mŋari wenyu wakaɗa Israeri, kuti aʋasimbise nokusiŋgaperi, saka wakakuitai mambo waʋo, kuti mutoŋge nokururamisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kukugadzai umambo pachigaro chake choumambo kuitira iye Tenzi, Mwari wenyu. Pamusana pokuti Mwari wenyu akada Isiraeri akadawo kuti varambe varipo narini wose ndosaka akakugadzai umambo hwavo kuti kutonga zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa.”
Shona 2009?
Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemwi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa."
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa.”