2 Corinthians 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kuɀirumbidza kweɗu ndikoku: Kupupura kwehana yeɗu, kuti takafamba panyika, ɀikuru kwamuri, noʋutȿene neɀokwaɗi yaMŋari, tisiŋgafambi noʋucenjeri bgenyama, asi nenyasha dzaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, noutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi nouchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari.
Shona 2009?
Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, novutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi novuchenjeri bwenyama, asi nenyasha dzaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, noutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi nouchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari.