2 Corinthians 1:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɀandakaŋga ndiciɗa kuita iɀoɀo, ndakaita nokushanduka mŋoyo here? Kana, ɀandinoɗa kuita ndinoɀiɗa nenyama here, kuti ini pamŋe nditi: Hoŋo, hoŋo, pamŋe: Kwete, kwete?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokusanduka mwoyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi, “Hongu, hongu,” pamwe, “Kwete, kwete?”
Shona 2009?
Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokushanduka moyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi: Hongu, hongu, pamwe: Kwete, kwete?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokusanduka mwoyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi, “Hongu, hongu,” pamwe, “Kwete, kwete?”