2 Corinthians 1:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀipikirwa ɀaMŋari, kunyaŋge ɀiri ɀizhinji sei, maari ndihoŋo; naiɀoɀo naiye ʋo ndiAmeni, kuti Mŋari akudzwe nesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvipikirwa zvaMwari, kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndi “Hongu,” naizvozvo naiyewo ndi “Ameni,” kuti Mwari akudzwe nesu.
Shona 2009?
Nokuti zvipikirwa zvaMwari kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndihongu; naizvozvo naiyevo ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe nesu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvipikirwa zvaMwari, kunyangwe zviri zvizhinji sei, maari ndi “Hongu,” naizvozvo naiyewo ndi “Ameni,” kuti Mwari akudzwe nesu.