2 Corinthians 10:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi munotarira ɀinhu ɀiri pamberi penyu. Kana munhu aciʋimba naɀo aciti ndiri waKristu, ŋgaaraŋgarire ɀe cinhu ici mumŋoyo make, kuti seɀaari waKristu iye, saiɀoɀo nesu ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Onai zvinhu sezvazviri. Kana pane anonyatsovimba kuti ndewaKristu, ngaayeukewo kuti sezvaari waKristu, nesuwo ndizvo zvatiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu, ngaarangarirezve chinhu ichi mumwoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuo.
Shona 2009?
imwi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu ngaarangarire zve chinhu ichi mumoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuvo tiri vaKristu..
Shona SUB 2002 Bible
Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu, ngaarangarirezve chinhu ichi mumwoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuwo.