2 Corinthians 10:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunyaŋge ndainyanya kuɀirumbidza pamsoro pesimba reɗu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handiŋganyadziswi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange ndingazvikudze zvinenge zvakati nyanyisei noukuru hwandinahwo, hwandakapiwa naTenzi, ndakahupiwa kuti ndikuvakei kwete kuti ndikuparadzei, saka handinyari nazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naIshe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;
Shona 2009?
Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kunyangwe ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naIshe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;