2 Corinthians 11:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoreʋa ndici ɀis hoʋora, ndiciti takaŋga tisinesimba kuɗaro. Ɀino kana kunomunhu unotsuŋga, (ndinotaura seɓenzi), neni ndinotsuŋga ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo. Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinonyara kutaura kuti hwaiva humbwende kuita izvozvo. Asi kana pane munhu angade kuzvikudza nechii zvacho, ndava kutaura zvangu sebenzi, ndingatoitawo chivindi chokuzvikudza saizvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoreva ndichizvishoora, ndichiti takanga tisina simba kudaro. Zvino kana kuno munhu anotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungawo.
Shona 2009?
Ndinoreva ndichizvishovora, ndichiti takanga tisinesimba kudaro. Zvino kana kunomunhu unotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoreva ndichizvishora, ndichiti takanga tisina simba kudaro. Zvino kana kuno munhu anotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungawo.