2 Corinthians 11:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋashumiri ʋaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopeŋga), ɀikuru ini; pamaɓasa ndinoʋapfuʋura, pakusuŋgwa patoroŋgo ndinoʋapfuʋura, pakurobga ɀikuru‐kuru, parufu kazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vashandi vaKristu here? Ini ndinotova mushandi wake ari nani. Zvino ndava kutaura zvangu somunhu anopenga. Ndakashanda zvakaomarara kupinda ivo. Ndakaiswa mujeri kakatowanda kutovapfuura. Ndakarohwa kakawanda, ndikatarisana norufu kakawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu anopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakurohwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji.
Shona 2009?
Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuvura, pakusungwa patirongo ndinovapfuvura, pakurobwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu anopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakurohwa zvikuru–kuru, parufu kazhinji.