2 Corinthians 11:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana mumŋe aciʋuya unoparidza mumŋe Jesu, watisina‐kumboparidza isu, kana ɀimŋe mucigamucira mumŋe mŋeya, wamusina‐kumbogamucira, kana imŋe evaŋgeri, yamusina‐kumbotenda, ɀino mo mu itira mŋoyo murefu kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo.
Shona 2009?
Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo.