2 Corinthians 11:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye, paŋguʋa yandakaŋga ndiri kwamuri, ndicishaiwa, handinakuremedza munhu; nokuti ɀandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedonia; paɀinhu ɀose ndakacenjera kuti ndirege kukuremedzai, ʋuye ndicaramba ndicicenjera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye pandakanga ndiri pakati penyu ndichishayiwa chimwe chinhu, handina kuva mutoro kuna ani zvake, nokuti hama dzakabva kuMasedhonia dzakandipa zvandaishayiwa. Handina kuda kuva mutoro nenzira ipi zvayo pakati penyu, uye ndicharamba ndichidaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandakanga ndiinemi ndisina chokubata, hapana wandakaremedza. Zvandaida ndakapiwa nehama dzedu dzakabva kuMasedhonia. Saizvozvo ndakaramba uye ndichangoramba ndichiramba kukuremedzai nenzira ipi zvayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishayiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, uye ndicharamba ndichichenjera.
Shona 2009?
Vuye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, uye ndicharamba ndichichenjera.
Shona SUB 2002 Bible
Uye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishayiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Masedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, uye ndicharamba ndichichenjera.